SANGANO reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rinoti rakazvipira kuchengetedza utano hweveruzhinji uye rakatotorera marezinesi zvitoro zvitanhatu (mafamasi) nevanhu vakazvimirira vana (4) avo vaibatsira mukutengeswa nenzira dzerweseri kwemushonga wechikosoro weHistalix.
Izvi zvabuda pamusangano waitwa neMCAZ nevatori venhau kumahofisi avo muHarare.
Nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka kana kushandiswa kwemishonga iyo inorapa zvimwe zvirwere nenzira isiriyo dziri kuramba dzichiwanda muZimbabwe.
Izvi zviri kukanganisa utano hweveruzhinji nekudzikisira zvinangwa zvebudiriro yeupfumi hwenyika zveVision 2030.
“Tinotenda zvikuru nerutsigiro rwatinowaniswa nemasangano akasiyana, varapi, mapazi eHurumende neveruzhinji mukurwisa nyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka munyika. Basa redu guru nderekunzvera mishonga nemidziyo inoshandiswa mumabasa ehurapi muZimbabwe. Chinangwa chiri chekuona kuti mishonga inge yakanaka, yakachengetedzeka uye ichiwanikwa mumisika iri yemhando yepamusoro. Tinoongorora zvekare mishonga yemanyepo neisina kunyoreswa zviri pamutemo.
“Kutaura kuno takatotorera marezinesi mafamasi matanhatu tikakanzura marezinesi evanhu vana avo vakanga vari kubatsira mukutengeswa nenzira dzerweseri kwemushonga wechikosoro weHistalix. Mushonga uyu une uturu hweCodeine zvinoita kuti kana ukatorwa wakawanda unodhaka nokudaro wakanga wava kutengeserwa kune veruzhinji munzvimbo dzakadai seMbare neChitungwiza apo mumwe uchitotengeswa kune dzimwe nyika sekuZambia nekuMozambique,” vanodaro Mai Caroline Dandira-Samatanga vanova chief regulation officer kuMCAZ.
Vanoti mishonga yemhando iyi haikwanisi kutengeswa pasina magwaro asi kune mamwe makoronyera ari kuramba achiita izvi inova mhosva huru.
“Tiri kushanda nemamwe mapoka eHurumende mukudzivirira kushandiswa kwemishonga nenzira isina kunaka. Tinoshanda zvekare nevabati vemitemo mukoona kuti mishonga iyo isapinzwa munyika muno nerweseri. Tinoshanda nemapurisa, chikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID Drugs), Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) neveutano munzvimbo dzinosvikira ndege uye zvikoro.
“Takatomboita misangano tichifundisa vemapoka aya nezvekuipa kwekushandiswa kwemishonga nenzira isiriyo munzvimbo dzakadai seMasvingo, Beitbridge, Zvishavane, Victoria Falls neMutare,” vanodaro.
Mai Dandira-Samatanga vanoti mapurisa anotorera vanhu zvinodhaka semishonga yechikosoro iyo iri kushandiswa nenzira dzisina kukodzera apowo sangano reMCAZ richibatsira mukunyora magwaro emhosva idzodzo uye zvirango zvakakodzera.
“Tinopa dzidziso kune veruzhinji maringe nekuipa kwekushandisa mishonga nenzira dzisiridzo. Tinovimba kuti kana veruzhinji vakawaniswa mashoko echenjedzo, vanokwanisa kudzivirira kushandiswa kwemishonga nenzira dzisina kunaka.
“Tinoshandisa nzira dzakadai semapepanhau, redhiyo, terevhizheni nekuenda muzvikoro nemunharaunda. Kurwisa kushandiswa kwemishonga nenzira dzisina kunaka kunoda mushandirapamwe wevemafamasi kuti vaite mabasa avo zvine mutsa kuti vasarasikirwa nemarezinesi ,” vanodaro.
Mai Dandira-Samatanga vanoti kana munharaunda muine vanhu vari kutambudzwa nenyaya dzekutora zvinodhaka, zvakakosha kuti vakurumidze kutsvaga rubatsiro muzvipatara dambudziko racho risati rakomba sezvo kazhinji richigumisira nekurasika kwenjere.
Panhau yechinwiwa cheKambucha, Mai Dandira-Samatanga vanoti harisi basa reMCAZ kutarisa nyaya dzezvinodhaka zvakadai sedoro iro rinonzi riri muchinwiwa ichi.
Source Kwayedza