SINIKIWE “Chihera” Kademaunga – mudzimai wekuChitungwiza uyo akabarwa asina maoko zvose nemabvi, asi ndokuzvisimudzira – asununguka mwana mukomana.
Kademaunga-Zhiwa anoti akasununguka mwana mukomana svondo rapera muchipatara chemuHarare uye ari kupora ari kumba kwavo mushure mekuvhiiwa uye azere nemufaro mukuru.
Zvisinei nezvaakabarwa ari, mugore ra2021 Sinikiwe akachata nechibayamoyo chake, Reuben Zhiva, uyo anova murume asina kuremara.
“Tinotenda Mwari nekutirangarira nekuti chipo chemwana ndicho chataichemera muupenyu. Mwari vakatidaira nokudaro mwana wedu takamutumidza zita rekutenda kwedu,” anodaro.
Anoti mwana waakasununguka svondo rapera uyu haana dambudziko uye ari kuyamwa zvakanaka.
Sinikiwe akamboita pamuviri pekutanga nguva yadarika, asi akazorasikirwa nemwana zvinova zvakaunza kusuwa kukuru muupenyu hwake nemurume wake.
Kubatanidzwa kwevaviri ava musvitsa tsvene kwakafadza vakawanda, kunyanya vaverengi veKwayedza, iyo yaiburitsa muchato wakaitirwa muHarare uye panguva yawaiitwa.
Veruzhinji, kusanganisira vamwe vakaremara avo vakabva kumasangano akasiyana, vakatsigira muchato waSinikiwe naRueben vakati uchabatsira mukubvisa nyaya dzerusarura pavakati pevanhu vakaremara sezvo vamwe vachifunga kuti kuremara kunofambirana nekukundikana kuita zvimwe zvinhu muupenyu – izvo kwete.
Achinyora padandemudande reKwayedza reFacebook, Mamoyo Mutandwa anoti, “Uyu ndiye murume akanyorwa mubible, ane rudo rwechokwadi. Makorokoto, Mwari varambe vachikuitirai zvakanaka. Ndaona maita mufaro usina akamboona.”
Blessing Tarapa anotiwo, “Mwari varambe vachiropafadza.”
Sezvo Sinikiwe asina zvanza, ringi remuchato akaita rekupfekedzwa muhuro.
Achitaura mumashoko ake echitsidzo kuna Rueben, Sinikiwe anoti, “Rueben ndinonzwa kufara zvikuru nerudo rwaunondipa, wakakwanisa kuzadzikisa chivimbiso chako apo wakati ucharamba wakamira neni mune zvose uye muchato wawakavimbisa wauzadzikisa nhasi uno. Wakandida sezvandiri, ndikaramba dzichidzidza nezvako kwemakore mana ose kubvira pawakandipfimba ndikaona kuti uri munhu amire pachokwadi.
“Ndinoti, nhasi chasungwa panyika chasungwa zvekare nekudenga, zvose izvi tiri kuzviita mumaoko nesimba raMwari musiki.”
Sinikiwe akataura mashoko aya achisvimha misodzi nemufaro izvo zvakaonawo chaunga chaivepo chava kuti misodzi mokoto-mokoto mushure mekubatwa-batwa nemashoko ake.
Musi uyu, Zhiva akatsidzawo kuti acharamba akamira nemhiko dzewanano.
“Sinikiwe, ndinokutora kuti uve mudzimai wangu asi ndinoda kureurura nhasi kuti ndakakukanganisira zvikuru apo ndakakunyepera kuti ndiri munhu asingagoni kutaura. Iyi yakanga iri nzira yekuti ndibe mwoyo wako uyo wainge watora wangu. Ndinokuda zvikuru sezvauri.
“Pandakakura kusvika makore 18 ekuberekwa, ndiri munhu aingofarira vasikana vakapfupika zvakanyanya (dwarf). Saka ndakatombopedza nguva ndichiteverera mumwe akadaro asi zvakashaya basa, nyambisirwa iwe ndiwe wandainge ndakamirira.
“Kune imwe shamwari yangu asingaoni anova akauya nenharembozha yake munova mandakaona nhamba dzako ndikatanga kukutsvaga. Saka uku kwaiva kuda kwaMwari kuti tisanganiswe,” akadaro Zhiva.
Vabereki vaSinikiwe nevekumurume wake vakapupurawo ndokupa zvipo zvikuru zvemidziyo yemumba semafiriji, zvitofu, mari nehumwe hungwanda-ngwanda uye vakaratidza kufadzwa zvikuru nesvitsa tsvene yakapinda vaviri ava.
Sinikiwe akaita zvidzidzo zveBachelor’s Degree in Social Work kuimwe yunivhesiti iri kuSouth Africa uye inyanzvi mukutaura mashoko ekurudziro paSocial Media (motivational speaker) achiita zvekare mabasa ekuchengetedza runako.