MUCHIITIKO chinotaridza budiriro huru yaitwa neHurumende yeSecond Republic inotungamirwa naPresident Mnangagwa, kambani yemagetsi yeZesa inoti Zimbabwe haichada hurongwa hwekudzima magetsi sezvo yave kukwanisa kugadzira anokwana kubva muzviteshi zvayo nekutenga mamwe mashoma kunze kwenyika izvo zviri kuita kuti akwanirane neanodiwa neveruzhinji mudzimba pamwe nemumaindasitiri.
Budiriro yekuvandudzwa kwezvirongwa zveHwange Thermal Power Station Unit 7 ne8 uko kwave kupinda muchikamu chekupedzisira, pamwe nekuvepo kwezviteshi zvidiki zvinoshandisa moto wemagetsi anobva muzuva (Independent Power Producers (IPPs) uye kuvandudzwa kweKariba Hydro-Power Station nguva pfupi yadarika, zvaona huwandu hwemagetsi munyika huchiwedzera kuenda pa1 500MW kana zvichienzaniswa neaive pasi pe600MW ayo aikwenywa munaKurume gore rino.
Kuvandudzwa kwesimba rekugadzira magetsi kwakaderedza zvikuru kudzimwa kwemagetsi munyika yose.
Nemusi weMuvhuro uno, kambani yeZimbabwe Power Company (ZPC), muzvinyorwa zvainobuditsa pazuva, inoti magetsi ari kubikwa anosvika 1 443MW apo Kariba iri kugadzira 875MW, Hwange ichiwedzera 535MW uye Harare neMunyati zvichikwenya 21MW ne12MW.
Zvichienderana nebudiriro munyaya dzezvivakwa nemabasa akasiyana-siyana, Hurumende yeSecond Republic yakazvipira kushanda nesimba mukuona kuti Zimbabwe yabika magetsi anokwanirana.
Danho iri riri kutambirwa nemaoko maviri nevakuru vezvemaindasitiri sezvo kuvepo kwemagtsi kwakakosha mukusimudzira budiriro yenyika.
Nekuda kwekushaikwa kwemagetsi nguva yadarika, mabhizimisi akati wandei akange ave kusarudza kushandisa majenareta edhiziri anodhura.
Muhurukuro yakaitwa kuBulawayo nguva pfupi yadarika, vakafanobata chigaro chemukuru wekambani yeZimbabwe Energy Transmission and Distribution Company (ZETDC), Engineer Howard Choga, vanoti nekuvandudzwa kuri kuita magetsi, hapana chikonzero chekuti pave nehurongwa hwekudzimwa kwawo.
“Muchaona kuti mumavhiki maviri kusvika matatu apfuura, tanga tisingadzime magetsi nekudaro mumamiriro ezvinhu akadaro, hapazove nechikonzero chekuve nehurongwa hwekudzima magetsi,” vanodaro.
“Maonero atiri kuita ndeekuti hatizi kuzodzima magetsi munguva iri kutevera.
“Kana tisiri kudzima magetsi zvinoreva kuti tiri kuwana anokwanirana nezvinodiwa nemakasitoma edu.”
Pamagetsi ari kutengwa kunze, Eng Choga vanoti: “Pari zvino tiri kuwana 100 megawatts kubva kuSouth Africa uye kubva kuMozambique, tine mativi maviri anoti Hidroeléctrica de Cahora Bassa (HCB) yekuMozambique, iyo iri kutipa 50MW neEDM 10MW.”
Svondo rapfuura, munyori mukuru mubazi rinoona nezvemagetsi nekusimudzirwa kwemhando dzemoto, Dr Gloria Magombo, vakati kuvandudzwa kwezvikamu zveUnit 7 ne8 kuHwange kwabatsira zvakanyanya panyaya yekuwanikwa kwemagetsi munyika.
Hwange Thermal Power Station Unit 7 ne8, izvo zvakavandudzwa nemari inosvika US$1,5 bhiriyoni, ndechimwe chezvirongwa zveSecond Republic zvine chinangwa chekusimudzira kuwanikwa kwemagetsi munyika.