MUMWE murume atongerwa kugara mujeri kwemakore 14 nemhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti akaramba kumubikira sadza mushure mekunge magetsi amboenda akazodzoka mugore ra2021.
Clayton Mabasa Hunda akanetsana nemudzimai wake apo akaramba kumubikira achinzi akamupindura kuti aimbokurukura nezvikomba zvake panhare.
Vaviri ava vaive vambonwa 750mls dzedoro remhando reGin.
Hunda akarova mudzimai wake nehasha, ndokumugara matunduru achimudhonza vhudzi rakake rainge rakarukwa mhotsi (braids).
Mudzimai uyu akazofa nekuda kwekuvara kwaakaita.
Hunda, uyo aipikisa kutongwa, ainge azvidzivirira achiti akangotadza kuzvidzora panguva iyi ndokuita hasha dzakawandisa.
Anoti akataurirwa mashoko anorwadza nemudzimai wake apo ainge akadhakwa.
Mukupa Hunda chirango chake, mutongi wedare reHigh Court, Justice Lucy Mungwari, vanoti vakaona kuti humhondi uhu hwakanga husina kuitwa nenzira yakaipisisa.
“Zvaonekwa nedare iri kuti mupari wemhosva akagumburwa nemhinduro yemudzimai wake pachikumbiro chake chekuti abike kudya kwemanheru.
“Kufunga kwakanaka kwenyaya iyi kunotisvitsa pamhedziso isinganzvengeki yokuti zvakanaka kuti mupari wemhosva atongerwe sezvinotevera: kugara mujeri kwemakore 14,” vanodaro.
Dare rakanzwa kuti Hunda paakaona kuti mudzimai wake afa nekurohwa, akaedza kumupa rubatsiro rweFirst Aid nekumudira mvura asi hazvina kubatsira.