MURUME ane makore 33 okuberekwa wekuGweru, uyo akafuma nemusi weChishanu chino akamisa motokari yake pamusoro pemakuva ekuMkoba 9 achinzi aive akecha mumwe mukadzi, anoti haazive kuti akaenda sei kumarinda aya nekuti akange akadhakwa zvakanyanya.
Naison Batia anoti aive akadhakwa zvakadarikidza nekudaro haazive kuti zvakafamba sei kuti azopedzisira ave kumakuva aya.
“Ndaive ndakadhakwa zvakadarikidza, handizivi kuti ndakaenda sei ikoko, ndaive neshamwari dzangu uye handizivi zvakaitika kwadziri zvekare.
“Pandakamisa motokari yangu panzvimbo pacho paive nemwenje wemagetsi kuita semurukisheni uye ndakatopinda nepagedhi repamba,” anodaro.
Zvisinei, Batia ari kuramba kuti akange akecha mukadzi anoita basa rekutengesa muviri.
Asi vamwe vanoziva nezvenyaya iyi vanoti Batia ainwa doro pane imwe nzvimbo yemafaro apo akamira achitaura nemumwe mudzimai anoita basa rekutengesa muviri uyo aive akapfeka zvisina kudzikama kunze kwebhawa.
“Mukadzi waakakecha uyu chikopo chemudzimai aiita basa rekutengesa muviri uyo akafa makore adarika uye akazoenda nemutyairi uyu paguva rake kumarinda eMkoba 9,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.
Kanzura wenzvimbo iyi, VaAdmire Paradza, vanoti vakashamisika kuona murume aive akamisa motokari yake pamusoro pemakuva.
“Takatozoshevedza vekambani inodhonza motokari dzinenge dzafa kuti vabvise motokari iyi uye muridzi wayo haazi kunyatsotsanangura zvakaitika,” vanodaro Kanzura Paradza.