MAKOROKOZA manomwe anonzi akafira mumugodhi weRan Mine kunzvimbo yeGwiringwindi, kuBindura, vachichera goridhe zviri kunze kwemutemo zvichitevera kudhirika kwawakaita svondo rapera.
Njodzi iyi yakaitika nemusi wa22 Chikumi nenguva dza4 zuva rodoka.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti vakashaika vanosanganisira Abel Nyama (35) wepanhamba 136 kuChipindura Park, kuBindura, Simbarashe Ngwenya (45) wekuChipadze, kuBindura, Langton Vambe, Behind, Marubber, Hill naTendai Chikanya.
Vanoti nemusi wa23 Chikumi nenguva dza10 mangwanani, chikwata chemapurisa chaitungamirirwa naSuperitendent Chiwa vanova Officer Commanding Bindura District Operations, vakashanyira mugodhi uyu apo paiva paungana vanhu vanodarika mazana maviri nekuda kwechiitiko ichi.
“Panguva iyi, vanhu vakanga vafushirwa mumugodhi uyu vakazivikanwa kuti vaiva vanomwe.
“Nyanzvi nevakuru vaivapo vakazopanana mazano vachibatsirana nemaengineers epaFredda Rebecca Gold Mine nevakuru vepaRan Mine zvikaonekwa kuti chidziro chemugodhi uyu chaiva chatsemuka-tsemuka zvainetsa kuti michina mikuru ikwaniswe kushandiswa pakuedza kuburitsa mitumbi yevakafa ava,” vanodaro Sgt Major Chikasha.
Kutsemuka kwechidziro chemugodhi uyu kunonzi kwakakonzerwa nezvinoputika zvinoshandiswa nemakorokoza.
Sgt Major Chikasha vanoti nekuda kwemamiriro akaita nzvimbo iyi, kuchashevedzwa vatungamiri vechivanhu pamugodhi uyu uye uchambomiswa kushanda kusvikira nemusi weChishanu svondo rinotevera.
Sergeant Major Samuel Chikasha
“Panguva iyi, zvakawiriranwa kuti mapurisa vachange vachichengetedza mugodhi uyu. Zvakadaro, musi uyu mamwewo makorokoza vakapinda mumugodhi uyu muchivande vakazokwanisa kuburitsa mutumbi waSimbarashe Ngwenya (45) wemumugwagwa waMusvosvi, kuChipadze kuBindura, uyo wakazivikanwa naFungai Munyanyi wepanhamba 49/3 Dandadzi Street, kuChipadze, kuBindura anova hanzvadzi yacho,” vanodaro Sgt Major Chikasha.
Kuburitswa kwemimwe mitumbi yevanhu vakafushirwa mumugodhi uyu kuri kurongwa kuti kwofambiswa sei.