KAMBARAMI HIGH SCHOOL POITIKA MANYONGORI.
___________
By Taurao SHAVANHOWE of MUREHWA YESE DOTCOMS.
____________
Paive nehondo huru kwazvo zuro Musi wemuvhuro paKambarami high school kwaMrewa kwaMambo MANGWENDE apo mudzimai waHeadmaster vepachikoro ichi akauya achida kuponda ponda vadzisi.
Nyaya yepachikoro apa yakamira sekudai,Headmaster vepachikoro ichi vanonzi Nelson Mugambiwa Vaya vekubva kuMunamba school nenyaya dzekudzingwa nevabereki vakaenda paKambarami high 2019 uko kwavasvikotora Mukadzi wemunhu wavagere naye nhasi arikutambudza vadzidzisi pachikoro ichi.Headmaster havadi kubvunzwa kana kuudzwa matambudziko arikusanganikwa nawo nevadzidzisi ukangotaura chete kwavari vanondodeedza Mukadzi wavo ouya okupedzera. Musi wemuvhuro(Zuro) vakauya kuzorwisa mumwe mudzidzisi wechikadzi nekuda kwekuti mudzidzisi uyu(MUGAURI)akanga akumbira kuti kombi yechikoro ibatsire vadzidzisi vepachikoro apa asi Headmaster vakandodeedza Mukadzi wavo kuti huya urove munhu anoda kunditonga. Hondo yakazoguma yave paneumwe mudzidzisi wechirume uyo aida kuedza kuranditsira kuti mudzimai waHeadmaster asaite zvinonyangadza PAMBERI pevana vechikoro .Mufananidzo wamurikuona ndivo Mai Headmaster vachipika kuda kurova mudzidzisi wechirume Mr Dhomani uyo wavaivimbisa kuti ndokudamburira upenyu ,hanzi hupenyu hwako huri mumaoko angu(Video cmng soon) .
Zvese izvi zvaitika Ivo headmaster vakatarisa vachikuza Mukadzi kuti rova Vanhu. Kutaura kuno pachikoro apa hapana kugadzikana hupenyu heevadzidzisi huri parumananzombe nekuda kwezimukadzi raHeadmaster ririkurova vadzidzisi.Chirikutyisa vadzidzisi ndechekuti Headmaster chero Nyaya dzikamhan’arwa hapana zvazviri kushanda ,gore rakapera vakarova umwe mwana akakuvara zvakaipisa Nyaya ikaenda kumapurisa hapana chazvakabatsira. Vakatombonetsana neumwe mudzidzisi Zvakare Nyaya kusvika yaenda kuEducation offices asi hazvisi kushanda zvirikutowedzera.Mukasvika paKambarami high school hama munonzwa tsitsi ,Zvimbuzi zvaakudonha,dzimba dzinonaya asi hazvibvunziki unoswera wavingwa nemukadzi waHead.
Muongororo netsvakiridzo takaona kuti mudzidzisi wese wechikadzi akambopfimbwa akaramba atove parumananzombe munyika yedu kudai. Ndizvowo here hama dzangu kuti Mukadzi waHeadmaster anouya kuzopindira munyaya dzebasa rechikoro ouya kuzotuka zvinyadzi PAMBERI pevana vechikoro.Musapotse video mboona zimukadzi ratambudza Vanhu ,chii chakadaro chinenge Mhozi,vadzidzisi Havana kwekuturira basa vanorida asi kbasa kwacho kwave nerimwe basa guru. Mapurisa ,Education Offices uko tapota hokonai kunwa tea mumaoffice umo muchisiya paKambarami pachiitwa madiro ajojina nepfambi makarivara.
Iro ijoki chairo rakatorwa pamurume ende murume wacho atoripo paMurewa center izvozvi.Murehwa yese dotcoms iripo pakuudzai zvokwadi chaiyo pasina tsvete ,tapota gadzirisai paKambarami nguva ichipo. Munozoda kupindira kana manzwa kuti Zimbuya repakona rarikitwa here?….
Part 2….loading