NYAYA yemurume uyo ane makore makumi maviri nematatu ekuberekwa
(23) wekuKachuta kuGuruve yasiya vanhu vane matauriro pamwe nemafungiro
akasiyana-siyana apo mukomana uyu arikunzi arikudanana nehanzvadzi-sikana, yake
iyo ine makore gumi nepfumbamwe (19) ekuberekwa.
Vaviri ava vakabva paropa rimwe chete vari vana vababa namai vamwechete, uye
vakasara vari voga pamba mushure mekunge vabereki vavo vamboshanya kwemwedzi
vasipo pamusha.
Zvadaro vana ava vakasara vachiita madiro ndokutanga kurara vose muimba
imwechete izvo zvakazoita kuti vaviri ava vapengesane nerudo kusvika iyezvino.
Vabereki vevana ava vanoti vakashama nezvavakaona pavakadzoka pamba apa.
Vana ava vanotodanana chete nekuti vaitorara vose muimba imwechete isu tisipo,
vakadaro amai vevana ava.
Muhurukuro yakaitwa maringe nenyaya iyi, hanzvadzi sikana yakabvuma kuti akararana
nehanzvadzi komana yake uye vakaita izvi kakawanda.
Takasara toga pamba saka taitya kurara mumwe kwake mumwe kwake, ndokubva
tazoronga kurara muimba imwechete umo matakazotadza kukunda miyedzo ndokuita
zvisirizvo, akadaro hanzvadzi sikana.
Kubva zvatumbuka nyaya iyi, hanzvadzi komana yakabva yatiza pamba ichitya
kupindura mibvudzo yaari kuda kubvunzwa nevabereki wake mushure mehupenzi
hwake hwaakaita nehanzvadzi yake.
Kutaura kuno, mukomana uyu ari mudhorobha reMvurwi umo maari kugara neimwe
hanzvadzi yake. Nekuda kwechitiko ichi, vanhu kubva munzvimbo iyi ndivo vari kuti
mukomana uyu ari kuredza mudhamu repamba pavo uye vamwe ndovari kuti ihuku iri
kudya mazai ayo.
Zvinonzi kubva musikana uyu atanga kudanana nehanzvadzi komana yake haachada
kana kutaura nevamwe vakomana.
Vamwe vakomana vanondinetsa uye vanenge vachindibvunza zvisina basa saka
ndopedzisira ndaramba kutaura navo”, akadaro musikana uyu.
Nyaya yehanzvadzi komana nehanzvadzi sikana yakungotaurwa zuva nezuva sezvo
zvichiyera kudanana nehanzvadzi komana kana hanzvadzi sikana.
Mumwe mugari wekuGuruve, Darlington Masango, akati vaviri ava havana kukwana.
Mamwe mashoko anotaridza kudanana kwevaviri aya, zvinonzi mukomana uyu haatodi
kuona kana munhu wechikomana achitaura nehanzvadzi yake zvekutoti mumwe
mukomana aimbofambidzana nemusikana uyu akatozosiya aona kuti ari kufambira
mazai akaora.
Kudanana kwevaviri ava hakunetsi kuona sezvo vachifamba vose nguva nenguva.
Source:Newziana